Hakuna Zita Kunga Jesu(169)
Hakuna zita kunga Jesu,
Kana nekudenga,
Hakuna rimwe rakadaro,
Zita raM'ponesi.
Korusi: Tinoda kuimbira Jesu,
Tichimupa mbiri,
Ngekuti hatizivi zita
Rinokunda iri.
NdiJesu wakafira vere,
Wakatida kwazvo,
Zvotanga takaraswa tese
Gezvitadzo zvedu.
NdiJesu wakaita nyasha,
Takamukanganwa,
Wakati, "Enda zvako mwana,
Usatadzazve."
NdiJesu wakatiudzira
Kutunhidza Mwari,
Nekusarura vashamwari
Vakanaka chete.
NdiJesu wakarapa vanhu,
Akavasimbisa,
Ndijesu wakamutsa vafi
Kune hama dzavo.
NdiJesu anoenda nesu
Kwese tinoenda,
NdiJesu anotibatsira
Muupenyu hwedu.
|
Baba Wedu Wakatsidza (205)
Baba wedu wakatsidza,
"Ndinokutungamirira,"
Kuti usarasikeba
Pane rwendo kune denga.
Korusi: Ndinokutungamirira,
Ndinokutungamirira,
Pakukwira kene denga,
Ndinokutungamirira.
Apo unotambudzika,
Nekushaya zano zviya,
Unofadzwa nge'ya mazwi,
"Ndinokutungamirira."
Kuti hama dzako dzafa,
Uchidzichemera kwazvo ,
Unafunga aya mazwi,
"Ndinokutungamirira."
Apo unokomborerwa,
Mwoyo wako unofara,
Unodisa aya mazwi,
"Ndinokutungamirira.
Magwanani ese ese,
Unokarakadza iye,
Nechitsidzo chakanaka,
"Ndinokutungamirira.
Apo unobata basa,
Unafunga mazwi ake,
Uyo wakakutsidzira,
"Ndinokutungamirira.
Apo unorara pasi,
Pausiku uri wega,
Unatenda aya mazwi,
"Ndinokutungamirira.
|
Pamsoro Pakudenga (280)
Pamsoro pakudenga,
Ndavakanaka vega;
Pamsoro pakudenga
Kuna vatsvene vega,
Anoda kuendako,
Ngaazviteurire
Kuti agadzirirwe
Naye Mweya Mutsvene.
Jesu wakatifira
Kuoedza mhosva yedu;
Dakara itveniswe
Naiyo mweya yedu.
Kuti kana tavingwa
Norufu pano pasi,
Tirege kuzorambwa
Kuenda pakudenga.
|
Ndiri Kufamba (263)
Ndiri kufamba, ndiri parwendo,
Ndiri kutswaka musha waMwari,
Jesu wakati, "Handikusiyi,"
Izwi raKristu harizotadzi.
Korusi:
Ndiri kukwira ndiri kukwira,
Kenda kudenga, kuenda kudenga,
Haleluya, ndiri kuimba,
Ndiri kukwira, kuenda kumsoro.
Ndadva mudima rekusaiziva,
Zvino ndaona, Jesu ngewangu,
Ndiye rujeko, ari zvenzira,
Ndiri kukwira, kuenda kumsoro.
Asi rurimi harukwanisi
Kushumaira zviro zvemwoyo,
Ndiri kuimba pamangwanani,
Nepausiku, nemasikati.
|
|
Kuedza Kwazosvika,
Kwadzinga dima rese,
Vamuka vanhu vese
Kudzidza Jesu Kristu;
Masoko akanaka
Ouya misi yese,
Ekuti vanhu vese
Vanoda vafundusi.
Wonanyi vanhu vedu
Vakuteura zvino,
Nevamwe vari kure
Vakuwombera Jesu;
Vapwere vakuimba
Zviimbo zvakanaka,
Vavakuita basa
RaMwari, Baba wedu.
|
Wonanyi vavazhinji
Vanoda kudzidziswa,
Kufamba mune nzira
Yevanhu vakanaka;
Majaha nemhandara
Vanoda ruponeso,
Vababa nevamai
Vanoda nzira itsva.
Rwaswika ruponeso
RwaMwari nyika dzese,
Rwofanza kure-kure
Kundudzi dzese dzese;
Tapota imwi, Baba,
Pamsana pake Jesu,
Kuvaponesa avo
Vagere mune dima.
|